Amai (Chingezi: mother) mai, mhai kana mhamha zvinoreva mukadzi akakutakura munhumbu, akazokuzvara.
Mukutaura kweChiShona shoko rokuti Amai rinozoshandiswazve kutaura vakoma nevanin'ina vaAmai vakakuzvara. Vose ndivana Amai. Rimwe izwi rinoreva amai nderekuti nyina - ndiro riripo patsumo inoti: mbudzi kudya mufenje hufana nyina.
Senzira yokuremekedza imwe nguva ChiShona chinodaidza madzimai ari pazera rokunge vakaroorwa kuti amai kana kuti ambhuya.