Amai

Amai (Chingezi: mother) mai, mhai kana mhamha zvinoreva mukadzi akakutakura munhumbu, akazokuzvara.

Mukutaura kweChiShona shoko rokuti Amai rinozoshandiswazve kutaura vakoma nevanin'ina vaAmai vakakuzvara. Vose ndivana Amai. Rimwe izwi rinoreva amai nderekuti nyina - ndiro riripo patsumo inoti: mbudzi kudya mufenje hufana nyina.

Senzira yokuremekedza imwe nguva ChiShona chinodaidza madzimai ari pazera rokunge vakaroorwa kuti amai kana kuti ambhuya.

  • Manyenye (strong maternal protective urge) svichireva moyo waamai wakasimba pakudzivirira vane.
  • Mapanze kana mabvumwa (quickness of human growth). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mapanzure.
  • Kutimura (to tie child on back) zvichireva kubereka mwana kumusana. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Timuri kana Mutimuri??

From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Nelliwinne