Gungwa

Tarisai futi Magungwa e pasirose

Gungwa.
Magungwa e pasirose

Gungwa (Chirungu: ocean) muchidzidzo taranyika izwi rinoreva nzvimbo dzakakurisa dzinochengeta mitumbi yemvura yakawanda samare, iyi mvura iri mugungwa inowanikwa iine munyu zvokuti hainwike. Magungwa makuru anosanganisira Gungwa reIndiya, Gungwa rePasifiki, ne Gungwa reAtirandiki, Gungwa rekuChamhembe ne Gungwa reAkitiki.

Kana uso hwePasirose hwapimwa panoonekwa kuti chikamu che 71 pazana (71%) chakafukidzwa nemvura yegungwa.


From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Nelliwinne