Musikavanhu

Musikavanhu kana Musikawanhu nderimwe zita raMwari rinoshandiswa ne Vatendi veUchivanhu (Huvanhu), Chikristu uye Ujudha, izita rinotsangura maitiro kana nzvimbo ya Mwari munyika.

Mamwe mazita aMwari anosanganisa Musiki, Tenzi na Ishe, ndiye mwari mukuru weMusiki maererano nechitendero chechinyakare chechiShona. Zvinotendwa kuti Mwari ndiye muvambi wezvinhu zvose uye upenyu hwose uye zvose zviri maari. Ruzhinji rwevateveri vamwari uyu vakaungana muMozambiki, Afurika Chamhembe, ne Zimbabwe. Mwari munhu ane masimba ose, anotonga pamusoro pemidzimu uye ndiye Mwari Mukuru wechitendero.

Mwari mumwe chete ndiye anoshandiswa uye anonziwo Inkhosi kuVandebele vekuChamhembe ne vekuMaodzanyemba. Ruremekedzo rwaJehovha rwakatangira panguva yamambo wekare Mwenemutapa, weUbwami we Mutapa paRwizi rwaZambezi.


From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Nelliwinne