Rwanda

Repubulika y'u Rwanda
République du Rwanda
Republic of Rwanda
National motto: Ubumwe, Umurimo, Gukunda Igihugu

Rwanda kana sepachihofisi Rudhende rwe Rwanda inyika yakakomberedzwa nedzimwe yakatambarara kubva nechepakati kuenda kumabvazuva kwe Afurika uye iri kuzasi kwemuenzanisi nemadhigirii mashomane. Rwanda yakaganhurana neyika dzinoti: Vuganda, Tanzania, Vurundi ne Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo. Rwanda iri muDunhu reNyanza Huru dze Afurika. Rwanda iri pakakwirira, murutaranyika rwayo munowanikwa makomo ari kumadokero nesavanna kumabvazuva; uye ine madziva mazhinji akapararira nenyika. Mwaka yeko inoenderana nesubtropical ichiwana mwaka miviri yekunaya kwemvura nemwaka yekuwoma miviri zvakare.

Vanhu vekuRwanda vanonzi Varwanda, uye munhu mumwechete anonzi Murwanda/Mrwanda.


From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Nelliwinne